2 Timothy 3

Kurasika kwemazuva ekupedzisira

1Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika. 2Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene, 3vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka, 4vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari, 5vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo. 6Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana, 7vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi. 8Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo. 9Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo. 10Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira, 11kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese. 12Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa; 13asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa. 14Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani, 15uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu. 16Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama; 17kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.

Copyright information for Shona